Vahebheru 7:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Merikizedheki uyu aiva mambo weSaremu, uye aiva muprista waMwari Wokumusoro-soro. Akasangana naAbhurahama pakudzoka kwake achibva kundokunda madzimambo uye akamuropafadza,

2. uye Abhurahama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Kutanga zita rake rinoreva kuti, “mambo wokururama”; uyezve, “mambo weSaremu” zvinoreva kuti, “Mambo worugare.”

Vahebheru 7