1. Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi kuti tive vakuru, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari,
2. dzidziso pamusoro pokubhabhatidzwa nedzokuisa maoko pamusoro, nedzokumuka kubva kuvakafa, uye nedzokutongwa kusingaperi.
3. Uye kana Mwari achitendera, ndizvo zvatichaita.
4. Nokuti hazvigoni kuti vaya vakambovhenekerwa, vaya vakamboravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,
5. vakaravira kunaka kweshoko raMwari uye namasimba enyika inouya,
6. kuti vatendeukezve mushure mokunge vatsauka, nokuti pakurasikirwa kwavo vanorovererazve Mwanakomana waMwari uye vachimunyadzisa pachena.
7. Nyika inonwa mvura inonaya nguva nenguva pamusoro payo uye inobereka zvirimwa zvinobatsira avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari.
8. Asi nyika inobereka minzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa.