Vahebheru 12:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu.

4. Mukurwa kwenyu nechivi, hamusati madzivisa kusvikira pakubuda ropa.

5. Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti:“Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe,usaora mwoyo kana uchirangwa naye,

6. nokuti Ishe anoranga uyo waanoda,uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.”

Vahebheru 12