Vagaratia 5:12-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Kana vari vaya vanokukuchidzirai, ndaida hangu kuti vazvigure zvinhu zvavo.

13. Imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka. Asi regai kushandisa kusununguka kwenyu munyama; asi shandiranai murudo.

14. Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.”

15. Kana muchiramba muchirumana uye nokudyana, chenjererai kuti murege kuparadza mumwe nomumwe wenyu.

16. Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo.

17. Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda.

18. Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro.

19. Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere;

20. kunamata zvifananidzo uye uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka

21. nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.

22. Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka,

23. kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.

Vagaratia 5