Vagaratia 2:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Kana vari vaya vanonzi vanoremekedzwa, hazvinei kuti vakanga vakadii kwandiri hazvina mutsauko; Mwari haatongi nezvinoonekwa zvokunze, varume ivavo havana chavakawedzera pashoko rangu.

7. Zvisinei hazvo, vakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza vhangeri kuvaHedheni, sezvakaitwawo Petro kuvaJudha.

8. Nokuti Mwari, iye akanga achishanda muushumiri hwaPetro somupostori kuvaJudha, akanga achishandawo muushumiri hwangu somupostori kuvaHedheni.

Vagaratia 2