2. nehama dzose dzineni,Kukereke dziri muGaratia:
3. Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive nemi,
4. akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu,
5. ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.
6. Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu uye muchitsaukira kune rimwe vhangeri,
7. risati riri vhangeri chairo kana napaduku. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vanoda kukukanganisai vachiedza kushandura vhangeri raKristu.
8. Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi!