Vaefeso 6:21-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Tikiko, hama inodikanwa nomuranda akatendeka muna She, achakuudzai zvinhu zvose, kuitira kuti nemiwo muzive zvandiri nezvandinoita.

22. Ndiri kumutuma kwamuri nokuda kwechinangwa ichi, kuti muzive kuti takaita sei, uye kuti akukurudzirei.

23. Rugare kuhama, norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.

24. Nyasha kuna vose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu norudo rusingaperi.

Vaefeso 6