8. Asi anoitira vaeni rudo, munhu anoda zvakanaka, anozvidzora, akarurama, mutsvene uye anozvibata.
9. Anofanira kubatisisa shoko rechokwadi sezvarakadzidziswa, kuitira kuti agokurudzira vamwe nedzidziso yakarurama uye agodzivisa vaya vanoipikisa.
10. Nokuti kune vazhinji vasingateereri vanongotaura zvisina maturo uye vanyengeri, zvikuru sei vaya veboka rokudzingiswa.