Tito 1:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Kune vakachena, zvinhu zvose zvakachena, asi kuna avo vakaora uye vasingatendi, hakuna chinhu chakachena. Asi kutoti zvose pfungwa dzavo nehana dzavo zvakaora.

16. Vanoti vanoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo. Vanonyangadza, havateereri uye havana kufanirwa nokuita chinhu chakanaka.

Tito 1