Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 5:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ndabvisa nguo yangu, ndoipfekazve here? Ndashambidza tsoka dzangu, ndingagodzisvibisazve here?

4. Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake nepahwangwadza yomukova; mwoyo wangu wakatanga kumudokwairira.

5. Ndakasimuka kuti ndizarurire mudiwa wangu, maoko angu akadonha mura, mimwe yangu ichiyerera mura, pazvibato zvechizarira.

6. Ndakazarurira mudiwa wangu, asi mudiwa wangu akanga abva; akanga atoenda. Mwoyo wangu wakarwadziwa nokuenda kwake. Ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Ndakamudana asi haana kupindura.

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 5