Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 4:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu; uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako. Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni.

12. Wakaita sebindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu. Wakaita setsime rakakomberedzwa nechisipiti chakavakirirwa.

13. Miti yako ibindu ramatamba nemimwe michero yakaisvonaka, hena nenaridhi,

14. naridhi nesafuroni, karamusi, nesinamoni, nemiti yose inogadziriswa zvinonhuwira nemura negavakava, uye zvose zvinonhuwira zvakanakisisa.

15. Uri chitubu chomubindu, tsime remvura inoerera, inoerera ichibva kuRebhanoni.

16. Muka iwe mhepo yokumusoro, uye uya iwe mhepo yezasi! Vhuvhuta napabindu rangu kuti kunhuwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose. Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake, agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 4