Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 2:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Somuti womuapuro pakati pemiti yesango, ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya. Ndinofarira kugara mumumvuri wake, uye muchero wake unondinakira kuudya.

4. Akaenda neni kuimba yamabiko, uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo.

5. Ndisimbise namazambiringa akaomeswa, ndisimbise namaapuro; nokuti ndoziya norudo.

6. Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 2