Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 2:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Mudiwa wangu akataura kwandiri akati, “Simuka, mudiwa wangu, iwe munakunaku wangu, uya tiende tose.

11. Tarira! Nguva yechando yapera; mvura yapera; uye haichanayi.

12. Maruva oonekwa panyika; nguva yokuimba yasvika, kurira kwenjiva kwonzwikwa munyika yedu.

13. Muonde wobereka michero yawo yokutanga; uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuwira kwazvo. Simuka, uya, mudiwa wangu; munakunaku wangu, uya tiende tose.”

14. Njiva yangu iri mumikaha yedombo, munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo, ndiratidze chiso chako, ndinoda kunzwa inzwi rako; nokuti inzwi rako rinotapira, uye chiso chako chinoyevedza.

15. Tibatirei makava, ivo vana vemakava anoparadza minda yemizambiringa, iyo mizambiringa yedu yotunga maruva.

16. Mudiwa wangu ndowangu uye ndiri wake; anofamba-famba pakati pamaruva omubani.

17. Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yatiza, pinduka, mudiwa, ubva waita semhara kana tsvana pamusoro pezvikomo.

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 2