Rute 4:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Naizvozvo Bhoazi akatora Rute akava mukadzi wake. Zvino akapinda kwaari Jehovha akamuita kuti abate pamuviri, iye akabereka mwanakomana.

14. Vakadzi vakati kuna Naomi, “Jehovha ngaarumbidzwe, uyo asina kukusiya usina hama yapedyo, mudzikinuri. Ngaave nomukurumbira pakati peIsraeri yose!

15. Achavandudza upenyu hwako nokukuchengeta pamazuva okuchembera kwako. Nokuti muroora wako, uyo anokuda uye anokunda vanakomana vanomwe, ndiye amubereka.”

16. Ipapo Naomi akatora mwana, akamuisa pamakumbo ake akamurera.

17. Vakadzi vaigarako vakati, “Naomi ava nomwana womukomana.” Zvino vakamutumidza kuti Obhedhi. Ndiye aiva baba vaJese, baba vaDhavhidhi.

18. Iyi ndiyo imba yaPerezi:Perezi akabereka Hezironi,

19. Hezironi akabereka Ramu,Ramu akabereka Aminadhabhi,

20. Aminadhabhi akabereka Nashoni,Nashoni akabereka Sarimoni,

Rute 4