Ruka 7:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Ipapo varume vaya vakanga vatumwa vakadzokera kumba vakawana muranda uya apora.

11. Pasina kupera nguva refu, Jesu akaenda kuguta rainzi Naini, uye vadzidzi vake navanhu vazhinji kwazvo vakaendawo naye.

12. Kuzoti ave kuswedera pasuwo reguta, munhu akafa akanga akatakurwa achiburitswa kunze, aingova mwanakomana mumwe chete wamai vake, uye vakanga vari chirikadzi. Uye vanhu vazhinji kwazvo vaibva muguta vaiva navo.

Ruka 7