Ruka 6:43-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

43. “Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.

44. Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato.

45. Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.

46. “Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva?

Ruka 6