29. Ipapo Revhi akaitira Jesu mabiko makuru pamba pake, uye vateresi vazhinji kwazvo navamwewo vakadya navo.
30. Asi vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vari veboka ravo vakagunun'una vakati kuvadzidzi vake, “Seiko muchidya navateresi navatadzi?”
31. Jesu akavapindura akati, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara.
32. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke.”
33. Ivo vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji uye vachinyengetera, uye vadzidzi vavaFarisi vanodarowo, asi venyu vanoramba vachidya nokunwa.”
34. Jesu akavapindura akati, “Hamungagoni kuita kuti shamwari dzechikomba dzitsanye iye achinavo.
35. Asi nguva ichauya apo chikomba chichabviswa kwavari; mumazuva iwayo vachatsanya.”