Ruka 2:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomba, uye vakatya kwazvo.

10. Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose.

11. Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe.

12. Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.”

Ruka 2