Ruka 19:25-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. “Vakati, ‘Ishe anotova nezviuru gumi zvamadhora nechakare!’

26. “Iye akapindura akati, ‘Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anazvo, achapiwa zvimwe, asi uyo asina, achatorerwa kunyange nechaanacho.

27. Asi vaya vavengi vangu vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, uyai navo pano muvauraye pamberi pangu.’ ”

28. Shure kwokunge Jesu ataura izvi, akapfuurira mberi, akakwira kuJerusarema.

Ruka 19