Ruka 14:33-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu.

34. “Munyu wakanaka, asi kana warasikirwa nokuvava kwawo, ucharungwa neiko?

35. Hauchabatsiri muvhu kana padutu romupfudze; unorasirwa kunze.“Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

Ruka 14