Ruka 14:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, “Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?”

4. Asi vakaramba vanyerere. Naizvozvo akabata ruoko rwomunhu uya, akamuporesa ndokubva amuti aende.

5. Ipapo akavabvunza akati, “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana, kana mombe yake ikawira mutsime nomusi weSabata, angarega kuibudisa pakarepo?”

6. Ipapo vakashayiwa chokureva.

Ruka 14