Ruka 14:27-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.

28. “Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?

29. Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka,

30. achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’

Ruka 14