Ruka 12:7-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Zvirokwazvo, bvudzi chairo romumusoro menyu rakaverengwa. Musatya, imi munopfuura shiri duku zhinji.

8. “Ndinokuudzai kuti, ani naani anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana woMunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari.

9. Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari.

10. Uye mumwe nomumwe anotaura shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu, acharegererwa, asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazombokanganwirwi.

11. “Mukange mamiswa pamberi pesinagoge, vatongi navane simba, musafunganya pamusoro pokuti muchapindura sei kana kuti muchazvidzivirira sei,

12. nokuti panguva iyoyo Mweya Mutsvene achakudzidzisai zvamunofanira kutaura.”

13. Mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.”

14. Jesu akapindura akati, “Iwe murume, ndianiko akandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pakati penyu?”

15. Ipapo akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.”

16. Uye akavaudza mufananidzo uyu akati, “Ivhu romumwe mupfumi rakabereka zvibereko zvakanaka.

17. Akafunga mumwoyo make akati, ‘Ndichaita seiko? Handina nzvimbo yokuchengetera zviyo zvangu.’

18. “Ipapo akati, ‘Hezvino zvandichaita. Ndichaputsa matura angu ndigovaka makuru, uye imomo ndimo mandichaunganidza zviyo zvangu nezvinhu zvangu.

19. Uye ndichati kumweya wangu, “Iwe une zvinhu zvakawanda zvakanaka zvawakaunganidzirwa makore mazhinji. Zorora, udye, unwe uye ufare.”’

20. “Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno chaihwo upenyu hwako huchatorwa kubva kwauri. Zvino ndianiko achatora zvawanga wazvigadzirira?’

21. “Ndizvo zvichaitika kuna ani zvake anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”

22. Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei.

Ruka 12