Ruka 10:32-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Saizvozvowo, muRevhi, akati asvika panzvimbo iyoyo akamuona, akamunyenyeredzawo.

33. Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano munhu; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi.

34. Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta.

Ruka 10