Ruka 1:40-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti.

41. Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene.

42. Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara!

43. Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri?

44. Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro.

45. Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!”

46. Maria akati:“Mwoyo wangu unokudza Ishe

47. uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu,

48. nokuti akanga ane hanya nokuninipiswa kwomurandakadzi wake.Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa,

49. nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru,zita rake idzvene.

50. Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya,kubva kumarudzi kusvikira kuna mamwe marudzi.

51. Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake;akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo.

Ruka 1