Revhitiko 7:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Nyama yechipiriso chake chokuwadzana chokuvonga inofanira kudyiwa musi wainopiwa. Haafaniri kusiya imwe kusvikira mangwanani.

16. “ ‘Kana chipiriso chake chiri chemhiko kana kuti chiri chipiriso chokungopawo, chibayiro ichocho chichadyiwa musi wachinopiwa, asi chinhu chose chinosara chinogona kudyiwa musi unotevera.

17. Nyama yose yechibayiro inosara kusvikira zuva rechitatu inofanira kupiswa.

Revhitiko 7