Revhitiko 26:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Muchange muchiri kudya gohwo regore rakapera pamuchazobvisa kuti muise zvitsva.

11. Ndichadzika tabhenakeri yangu pakati penyu uye handizokusemei.

12. Ndichafamba pakati penyu ndigova Mwari wenyu, uye muchava vanhu vangu.

13. Ndini Jehovha Mwari wenyu, ndakakubudisai kubva munyika yeIjipiti kuti musazova varanda kuvaIjipiti zvakare, ndakatyora matanda ejoko renyu ndikakufambisai makati twi.

14. “ ‘Asi kana mukasanditeerera uye mukasaita zvose izvi zvandinorayira,

Revhitiko 26