Revhitiko 26:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “ ‘Musaita zvifananidzo kana kumisa chifananidzo kana ibwe rinoyera kwamuri, uye musaisa dombo rakavezwa munyika yenyu kuti mukotamire pamberi paro. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

2. “ ‘Chengetai maSabata angu uye muremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.

3. “ ‘Kana mukatevera mitemo yangu uye mukachenjerera kuti muteerere mirayiro yangu,

4. ndichakutumirai mvura nenguva yayo, uye ivhu richabereka zvirimwa zvaro uye miti yesango ichabereka michero yayo.

Revhitiko 26