Numeri 6:20-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Ipapo muprista achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira; izvi zvitsvene uye ndezvomuprista, pamwe chete nechipfuva chakaninirwa uye chidya chakakumikidzwa. Shure kwaizvozvo, muNaziri anganwa hake waini.

21. “ ‘Uyu ndiwo murayiro womuNaziri anenge apikira chipiriso kuna Jehovha maererano nokuzvitsaura kwake pamusoro pezvimwe zvose zvaanenge achigona kupa. Anofanira kuzadzisa mhiko yaakaita, zviri maererano nomurayiro womuNaziri.’ ”

22. Jehovha akati kuna Mozisi,

23. “Udza Aroni navanakomana vake uti, ‘Munofanira kuropafadza vaIsraeri nomutowo uyu. Muti kwavari:

24. “ ‘Jehovha akuropafadzei uye akuchengetei;

25. Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu uye akunzwirei tsitsi;

26. Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri uye akupei rugare.’

Numeri 6