Numeri 4:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni:

2. “Verenga vaKohati ivo bazi ravaRevhi nedzimba dzavo nemhuri dzavo.

3. Uverenge varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana.

4. “Iri ndiro basa ravaKohati muTende Rokusangana: kuchengetedza zvinhu zvitsvenetsvene.

5. Kana ungano yosimuka Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda vagobvisa chidzitiro vagofukidza areka yeChipupuriro nacho.

6. Ipapo vanofanira kuchifukidza namatehwe emhou dzomugungwa, vagowarira mucheka webhuruu pamusoro pacho uye vagoisa matanda panzvimbo yawo.

Numeri 4