33. Ipapo Mozisi akapa kuvaGadhi, navaRubheni nerudzi rwehafu rwaManase, mwanakomana waJosefa, umambo hwaSihoni mambo wavaAmori noumambo hwaOgi mambo weBhashani, nyika yose namaguta ayo uye nenyika dzose dzakavapoteredza.
34. VaGadhi vakavaka Dhibhoni, Ataroti, Aroeri,
35. Ataroti Shafani, Jazeri, Jogubheha,
36. Bheti Nimura neBheti Harani samaguta akakomberedzwa, uye vakavaka matanga amakwai avo.
37. Uye vaRubheni vakavakazve Heshibhoni, Ereare Kiriatihaimi,
38. pamwe chete neNebho neBhaari Meoni (mazita aya akashandurwa) neSibhima. Vakapa mazita kumaguta avakavaka.
39. Zvizvarwa zvaMakiri mwanakomana waManase vakaenda kuGireadhi, vakaritapa vakadzinga vaAmori vakanga varimo.
40. Saka Mozisi akapa Gireadhi kuvaMakiri, zvizvarwa zvaManase, ivo vakagara ikoko.
41. Jairi, chizvarwa chaManase, akakunda misha yaro akaitumidza kuti Havhoti Jairi.
42. Uye Nobha akakunda Kenati nenzvimbo dzakaripoteredza akaritumidza kuti Nobha zita rake.