Numeri 31:48-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

48. Ipapo machinda akanga ari vatariri vamapoka ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana vakaenda kuna Mozisi

49. vakati kwaari, “Varanda venyu vaverenga varwi vari pasi pedu, hapana kana mumwe chete asipo.

50. Saka tauya nechipo kuna Jehovha chezvishongo zvegoridhe zvakawanikwa nomumwe nomumwe wedu, zvishongo zvegoridhe, mhete dzomumaoko, mhete dzomunzeve nouketani hwomumutsipa kuti tizviyananisire pamberi paJehovha.”

51. Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira kubva kwavari goridhe, zvinhu zvose zvakanga zvakaitwa noumhizha.

Numeri 31