Numeri 31:40-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. vanhu vaisvika zviuru gumi nezvitanhatu, mutero waJehovha pavari waiva vanhu makumi matatu navaviri.

41. Mozisi akapa mutero kuna Ereazari muprista somugove waJehovha, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

42. Hafu yakanga iri yavaIsraeri, yakatsaurwa naMozisi kubva kuvarume vehondo,

43. hafu yeungano, yaiva makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu namanomwe, namazana mashanu,

Numeri 31