Numeri 29:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “ ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye murege kubata basa ramazuva ose. Izuva rokuti muridze hwamanda.

2. Munofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa chehando imwe chete duku, gondohwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara, zvive zvinonhuwira zvinofadza pamberi paJehovha.

3. Mugadzire pamwe chete nehando duku chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefaa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa pamwe chete namafuta, negondohwe, zvikamu zviviri mugumib;

4. pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumic.

5. Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti muzviyananisire.

6. Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuwira zvinofadza.

7. “ ‘Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene. Munofanira kuzviramba uye murege kubata basa.

8. Mupe chibayiro chinopiswa chehando duku yegore rimwe chete kuna Jehovha sezvinonhuwira zvinofadza: hando imwe chete negondohwe rimwe chete uye namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvisina kuremara.

9. Mugadzire pamwe chete nehando, chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi;

10. uye parimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.

11. Muisewo nhongo yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chechivi chokuyananisira uye nechibayiro chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.

12. “ ‘Pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose. Muite mutambo wokupemberera Jehovha kwamazuva manomwe.

13. Muuye nechibayiro chinopiswa kuti chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando duku gumi nenhatu, makondohwe maviri namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, ose asina kuremara.

14. Mugadzire chipiriso chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta pamwe chete neimwe neimwe yehando duku gumi nenhatu; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakondohwe maviri, zvikamu zviviri mugumi,

15. uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi.

16. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa.

Numeri 29