10. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose uye nechipiriso chacho chinonwiwa.
11. “ ‘Nomusi wokutanga womwedzi woga woga, mupe kuna Jehovha chipiriso chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara.
12. Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefad yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta;
13. uye negwayana rimwe nerimwe, chipiriso chezviyo chechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Izvi ndizvo zvinoitwa pachipiriso chinopiswa, chinonhuwira chinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
14. Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chokunwa chehafu yehini yewaini; pamwe chete negondohwe, chetatu chehinie; uye pamwe chete negwayana rimwe nerimwe, chikamu chimwe chete muzvina chehinif. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chomwedzi mumwe nomumwe chinofanira kupiwa pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe pagore.
15. Pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chokunwa, nhongo imwe chete inofanira kupiwa sechipiriso chechivi kuna Jehovha.
16. “ ‘Pazuva regumi romwedzi wokutanga munofanira kuita Pasika yaJehovha.
17. Pazuva regumi namana romwedzi uyu, munofanira kuita mutambo; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.
18. Pazuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene uye murege kuita mabasa amazuva ose.
19. Mupe kuna Jehovha chipiriso chakaitwa nomoto, chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe ane gore rimwe chete, ose asina kuremara.
20. Pamwe chete nehando imwe neimwe mugadzire chipiriso chezviyo, chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi;
21. uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi;
22. uisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti iwe uzviyananisire.
23. Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa zvamangwanani zvamazuva ose.
24. Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa.
25. Pazuva rechinomwe muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.
26. “ ‘Pazuva rezvibereko zvokutanga, pamunopa zvipiriso zvenyu kuna Jehovha, zvezvitsva zvezviyo panguva yoMutambo weMavhiki, muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.
27. Mupe chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete uye makwayana manomwe makono egore rimwe chete, chive chipiriso chinofadza kuna Jehovha.
28. Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka. hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi;
29. uye nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
30. Muisewo nhongo imwe chete kuti muzviyananisire.