15. Uye zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa rakanga richinzi Kozibhi, mwanasikana waZuri, mukuru weimwe mhuri yavaMidhiani.
16. Jehovha akati kuna Mozisi,
17. “Muone vaMidhiani savavengi uye mugovauraya,
18. nokuti ivo vakakuonai savavengi pavakakunyengerai panyaya yePeori uye nehanzvadzi yavo Kozibhi, mwanasikana womutungamiri wavaMidhiani, iye mukadzi akaurayiwa pakauya denda nokuda kwePeori.”