Numeri 25:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Uye zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa rakanga richinzi Kozibhi, mwanasikana waZuri, mukuru weimwe mhuri yavaMidhiani.

16. Jehovha akati kuna Mozisi,

17. “Muone vaMidhiani savavengi uye mugovauraya,

18. nokuti ivo vakakuonai savavengi pavakakunyengerai panyaya yePeori uye nehanzvadzi yavo Kozibhi, mwanasikana womutungamiri wavaMidhiani, iye mukadzi akaurayiwa pakauya denda nokuda kwePeori.”

Numeri 25