Numeri 19:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,

2. “Izvi ndizvo zvinodikanwa pamurayiro wakarayirwa naJehovha. Udza vaIsraeri kuti vakuvigire tsiru dzvuku risina kuremara, kana charingapomerwa uye risina kumbosungwa pajoko.

3. Uripe kuna Ereazari muprista; rinofanira kubudiswa kunze kwomusasa rigourayiwa pamberi pake.

4. Ipapo Ereazari muprista anofanira kutora rimwe reropa raro nomunwe agorisasa kanomwe akananga mberi kweTende Rokusangana.

5. Akatarisa, tsiru rinofanira kupiswa, dehwe raro, nyama yaro namazvizvi aro.

6. Muprista anofanira kutora huni dzomusidhari, hisopi nomucheka mutsvuku agozvikanda pamusoro petsiru riri kutsva.

Numeri 19