6. Iwe Kora, navateveri vako vose munofanira kuita izvi: Torai hadyana dzezvinonhuwira
7. uye mangwana muise moto nezvinonhuwira madziri mugoenda nadzo pamberi paJehovha. Munhu achasarudzwa naJehovha ndiye achava mutsvene. Imi vaRevhi mazonyanya zvino!”
8. Mozisi akatizve kuna Kora, “Chinzwai zvino, imi vaRevhi!