Numeri 14:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Kana mukauraya vanhu vose ava panguva imwe chete, ndudzi dzakanzwa mukurumbira uyu pamusoro penyu dzichati,

16. ‘Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avavimbisa nemhiko; saka akavauraya murenje.’

17. “Zvino simba raJehovha ngariratidzwe, sezvamakataura muchiti:

18. ‘Jehovha anononoka kutsamwa, azere norudo uye anoregerera zvivi nokumukira. Kunyange zvakadaro haangaregi kuranga ane mhosva, anoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.’

Numeri 14