15. kubva kwaNafutari, Ahira mwanakomana waEnani.”
16. Ava ndivo varume vakatsaurwa kubva paungano, ivo vatungamiri vamarudzi amadzibaba avo. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaIsraeri.
17. Mozisi naAroni vakatora varume ava vane mazita avakanga vapiwa,
18. vakaunganidza ungano yose pamwe chete nezuva rokutanga romwedzi wechipiri. Vanhu vakaratidza madzitateguru avo, nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uye varume vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vakanyorwa mazita avo mumwe nomumwe,
19. sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Nokudaro akavaverenga muRenje reSinai:
20. Kubva kuzvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo.
21. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaRubheni vaiva zviuru makumi mana nezvitatu, namazana mashanu.
22. Kubva kuzvizvarwa zvaSimeoni:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
23. Vakaverengwa vaibva kurudzi rwaSimeoni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.
24. Kubva kuzvizvarwa zvaGadhi:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
25. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaGadhi vaisvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.
26. Kubva kuzvizvarwa zvaJudha:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
27. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaJudha vaisvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.
28. Kubva kuzvizvarwa zvaIsakari:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye zvemhuri dzavo.
29. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaIsakari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.
30. Kubva kuzvizvarwa zvaZebhuruni:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.