Nehemia 7:69-72 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

69. mazana mana namakumi matatu namashanu engamera uye zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri zvembongoro.

70. Vamwe vakuru vemhuri vakabatsira pabasa. Mubati akaisa madhirakema egoridhe chiurua muchivigiro chepfuma nemidziyo makumi mashanu nenhumbi dzavaprista mazana mashanu namakumi matatu.

71. Vamwe vakuru vemhuri vakaisa muchivigiro chepfuma zviuru makumi maviri zvamadhirakemab egoridhe kuitira basa, mamina esirivha zviuru zviviri namazana maviric.

72. Uwandu hwezvakapiwa navanhu vose vose hwaiva zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe, nezviuru zviviri zvamaminad esirivha, uye nenhumbi dzavaprista dzinosvika makumi matanhatu nenomwe.

Nehemia 7