Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, uye vaIsraeri vagara mumaguta avo, vanhu vose vakaungana vakaita somunhu mumwe pachivara chakatarisana neSuo reMvura. Vakakumbira Ezira munyori kuti auye neBhuku roMurayiro waMozisi, wakanga warayirwa naJehovha kuvaIsraeri.