28. vokuBheti Azimaveti, makumi mana navaviri;
29. vokuKiriati Jearimu, Kefira neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu;
30. vokuRama neGebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;
31. vokuMikimashi, zana namakumi maviri navaviri;
32. vokuBheteri neAi, zana namakumi maviri navatatu;
33. vokune rimwe Nebho; makumi mashanu navaviri;
34. vokune rimwe Eramu, chiuru mazana maviri namakumi mashanu navana;
35. vokuHarimu, mazana matatu ana makumi maviri;
36. vokuJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu;
37. vokuRodhi, Hadhidhi neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe chete;
38. vokuSenaa, zviuru zvitatu mazana mapfumbamwe namakumi matatu;
39. vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (kubudikidza nokumhuri yaJeshua), mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;
40. zvaImeri, chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
41. zvaPashuri, chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana;
42. zvaHarimu, chiuru chimwe chine gumi navanomwe.
43. VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua (kubudikidza naKadhimieri nokumhuri yaHodhavhia), vaiva makumi manomwe navana.
44. Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi, zana namakumi mana navasere.