Nehemia 7:27-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. vokuAnatoti, zana namakumi maviri navasere;

28. vokuBheti Azimaveti, makumi mana navaviri;

29. vokuKiriati Jearimu, Kefira neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu;

30. vokuRama neGebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;

31. vokuMikimashi, zana namakumi maviri navaviri;

32. vokuBheteri neAi, zana namakumi maviri navatatu;

33. vokune rimwe Nebho; makumi mashanu navaviri;

34. vokune rimwe Eramu, chiuru mazana maviri namakumi mashanu navana;

35. vokuHarimu, mazana matatu ana makumi maviri;

36. vokuJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu;

37. vokuRodhi, Hadhidhi neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe chete;

Nehemia 7