Nehemia 7:16-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. zvaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navasere;

17. zvaAzigadhi, zviuru zviviri mazana matatu namakumi maviri navaviri;

18. zvaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe;

19. zvaBhigivhai, zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe;

20. zvaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu;

21. zvaAteri (kubudikidza naHezekia), makumi mapfumbamwe navasere;

22. zvaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere;

23. zvaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana;

24. zvaHarifi, zana negumi navaviri;

25. zvaGibheoni, makumi mapfumbamwe navashanu.

26. Varume veBheterehema neNetofa, zana namakumi masere navasere;

27. vokuAnatoti, zana namakumi maviri navasere;

28. vokuBheti Azimaveti, makumi mana navaviri;

29. vokuKiriati Jearimu, Kefira neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu;

30. vokuRama neGebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;

31. vokuMikimashi, zana namakumi maviri navaviri;

Nehemia 7