16. zvaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navasere;
17. zvaAzigadhi, zviuru zviviri mazana matatu namakumi maviri navaviri;
18. zvaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe;
19. zvaBhigivhai, zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe;
20. zvaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu;
21. zvaAteri (kubudikidza naHezekia), makumi mapfumbamwe navasere;
22. zvaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere;
23. zvaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana;
24. zvaHarifi, zana negumi navaviri;
25. zvaGibheoni, makumi mapfumbamwe navashanu.