11. zvaPahati-Moabhu (kubudikidza nokuna Jeshua naJoabhu), zviuru zviviri, namazana masere ane gumi navasere;
12. zvaEramu, chiuru chimwe, china mazana maviri namakumi mashanu navana;
13. zvaZahu, mazana masere namakumi mana navashanu;
14. zvaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu;
15. zvaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere;
16. zvaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navasere;
17. zvaAzigadhi, zviuru zviviri mazana matatu namakumi maviri navaviri;
18. zvaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe;
19. zvaBhigivhai, zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe;
20. zvaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu;
21. zvaAteri (kubudikidza naHezekia), makumi mapfumbamwe navasere;
22. zvaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere;
23. zvaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana;