Muparidzi 7:7-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Udzvinyiriri hunoshandura muchenjeri achiva benzi, uye fufuro inosvibisa mwoyo.

8. Magumo echinhu anopfuura mavambo acho, uye mwoyo murefu unopfuura kuzvikudza.

9. Usakurumidza kutsamwa pamweya wako nokuti kutsamwa kunogara muchipfuva chamapenzi.

10. Usati, “Sei mazuva akare ari nani kupfuura azvino?” Nokuti hazvina kuchenjera kubvunza mibvunzo yakadaro.

11. Uchenjeri chinhu chakanaka senhaka, uye hunobatsira avo vanoona zuva.

12. Uchenjeri hunodzivirira sokudzivirira kunoita mari, asi kunakisa kworuzivo ndokuku: kuti uchenjeri hunochengetedza upenyu hwomunhu anahwo.

13. Cherechedza zvakaitwa naMwari:Ndiani angatwasanudza zvaakagonyanisa?

14. Kana zvinhu zvakanaka, fara; asi kana nguva dzakaipa, rangarira kuti: Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviri zviviri. Naizvozvo, munhu haagoni kuziva chinhu pamusoro peramangwana rake.

15. Muupenyu hwangu husina maturo ndakaona zvose izvi:akarurama achiparara mukururama kwake, nowakaipa achirarama nguva refu mukuipa kwake.

16. Usava munhu akanyanyisa kururama, kana munhu akanyanyisa kuchenjera, uchazviparadzireiko?

Muparidzi 7