1. Zita rakanaka rinopfuura mafuta anonhuwira zvakanaka kwazvo, uye zuva rokufa rinopfuura zuva rokuzvarwa.
2. Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pano kuenda kuimba yamabiko, nokuti rufu ndiwo mugumo womunhu wose; vapenyu ngavazviise izvi pamwoyo.
3. Kusuwa kunopfuura kuseka, nokuti chiso chinopunyaira chakanakira mwoyo.
4. Mwoyo womuchenjeri uri mumba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri kuimba yamafaro.
5. Zviri nani kuteerera kutsiura kwomunhu akachenjera, pano kuteerera rwiyo rwamapenzi.
6. Sokuputika kweminzwa pasi pehari, ndizvo zvakaita kuseka kwamapenzi. Naizvozviwo hazvina maturo.
7. Udzvinyiriri hunoshandura muchenjeri achiva benzi, uye fufuro inosvibisa mwoyo.