7. Kushingaira kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake, kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.
8. Ko, akachenjera anokurira benzi pachii? Ko, murombo anowanei nokuziva kuzvibata pamberi pavamwe?
9. Zviri nani zvinoonekwa nameso pane kutsvaka-tsvaka kwomwoyo. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.
10. Chinhu chipi nechipi chiripo chakapiwa zita kare, uye munhu zvaari zvakazivikanwa kare; hakuna munhu anorwisana nomunhu anomupfuura pasimba.
11. Kuwanda kwamashoko ndikowo kuwanda kwezvisina maturo, uye zvingabatsira aniko zvakadai?